Job 34

1Ipapo Erihu akati:

2“Inzwai mashoko angu, imi vanhu vakachenjera;
nditeererei, imi vanhu vedzidzo.
3Nokuti nzeve inoedza mazwi
sokuravira kunoita rurimi chokudya.
4Ngatinzverei pachedu kuti chakarurama ndechipi;
ngatidzidzei pamwe chete kuti chakanaka ndechipi.

5“Jobho anoti, ‘Handina mhosva,
asi Mwari anoramba kundiruramisira.
6Kunyange ndakarurama,
ndinonzi ndiri murevi wenhema;
kunyange ndisina mhaka,
museve wake unobaya ronda risingarapiki.’
7Ndianiko munhu akaita saJobho,
anonwa kushorwa semvura?
8Anofambidzana navanoita zvakaipa;
anowirirana navanhu vakaipa.
9Nokuti anoti, ‘Munhu haana chaanobatsirwa nacho,
paanoedza kufadza Mwari.’

10“Saka nditeererei, imi vanhu vokunzwisisa.
Mwari haangatongoiti zvakaipa, Wamasimba Ose haangatongokanganisi.
11Anoripira munhu pane zvaanenge aita;
anoisa pamusoro pake zvakakodzera mafambiro ake.
12Hazvingatongogoni kuti Mwari angaita zvakaipa,
kuti Wamasimba Ose angaminamisa kururamisira.
13Ndianiko akamugadza pamusoro penyika?
Ndianiko akamuita mutariri wepasi pose?
14Kana kwaiva kufunga kwake,
uye akatora mweya wake nokufema kwake,
15marudzi ose avanhu aiparara pamwe chete,
uye munhu aizodzokerazve kuguruva.

16“Kana uchinzwisisa teerera izvi;
chinzwa zvandinoreva.
17Ko, munhu anovenga kururamisira angatonga here?
Ko, muchapomera akarurama uye ane simba here?
18Ko, haazi iye anoti kumadzimambo, ‘Hamubatsiri imi,’
uye kumakurukota, ‘Makaipa imi,’
19asingaitiri machinda zvakanaka nokuti machinda,
uye asingaitiri zvakanaka vapfumi kupfuura varombo,
nokuti vose ibasa ramaoko ake?
20Vanofa kamwe kamwe, pakati pousiku;
vanhu vanovhundutswa vagoparara;
vane simba vanobviswa zvisingaitwi noruoko rwomunhu.

21“Meso ake ari panzira dzavanhu;
anoona nhambwe imwe neimwe yavo.
22Hakuna nzvimbo ine rima,
hakuna mumvuri wakadzama,
pangavanda vaiti vezvakaipa.
23Mwari haanei nezvokuedzazve vanhu,
kuti vauye vamire pamberi pake vagotongwa.
24Anoparadza vane simba asina kumbobvunza,
agogadza vamwe panzvimbo yavo.
25Nokuti anocherechedza mabasa avo,
anovabvisa usiku uye vanopwanyiwa.
26Anovaranga nokuda kwokuipa kwavo,
pavanoonekwa nomunhu wose,
27nokuti vakatsauka pakumutevera
uye havana kuva nehanya kana neimwe yenzira dzake.
28Vakakonzera kuchema kwavarombo kuti kusvike pamberi pake,
zvokuti akanzwa kuchema kwavanoshayiwa.
29Asi kana akaramba anyerere ndiani angamupa mhosva?
Kana akavanza chiso chake, ndianiko angamuona?
Zvakadaro iye ari pamusoro pazvose, munhu nendudzi,
30kuti abvise munhu asina umwari pakutonga,
kuti asaisira vanhu misungo.

31“Ngatiti munhu oti kuna Mwari,
‘Ndine mhaka asi handichatadzazve.
32Ndidzidzisei zvandisingagoni kuona;
kana ndakaita zvakaipa, handichazviitizve.’
33Ko, Mwari angafanira kukupa mubayiro sezvaunoda iwe here,
zvaunoramba kutendeuka?
Unofanira kusarudza iwe, kwete ini;
saka nditaurire zvaunoziva.

34“Imi vanhu vokunzwisisa taurai,
vanhu vakachenjera munondinzwa muti kwandiri,
35‘Jobho anotaura asina zivo; mashoko ake haana uchenjeri.’
36Haiwa, dai Jobho aedzwa kusvikira pakupedzisira,
nokuti anopindura somunhu akaipa!
37Pachivi chake anowedzera kumukira;
anouchira maoko ake pakati pedu sezvisina basa,
uye anowedzera mashoko ake okurwa naMwari.”
Copyright information for SnaBDSC